Accessibility links

Breaking News

Doctor Godfrey Gandawa Vanoti Pane Vari Kuda Kuvaita Kafiramberi


Doctor Godfrey Gandawa

Vari kukwikwidza musarudzo kuMagunje vakazvimirira mushure mekudzingwa muZanu-PF, Doctor Godfrey Gandawa, vanoti vambohwanda mushure mekunge vanofungidzirwa kuti mapurisa aenda kumba kwavo runyanhiriri nemusi weChina vachida kuvasunga kana kuvaita kafiramberi.

VaGandawa, avo vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvedzidzo, vakaudza neStudio7 mazuva mashoma apfuura kuti havasi kuzovhotera mutungamiri wenyika uye vachitungamira Zanu-PF, VaEmmerson Mnangagwa.

Asi VaGandawa vane nyaya yavari kupomerwa yekuti havana kufambisa mari yeZimbabwe Manpower Development Fund zvakanaka apo vainge vari muhurumende mubazi raiva pasi paVaJonathan Moyo.

VaGandawa vanoti hama dzavo dzaoneswa ndondo nevanhu vange vaine pfuti vachivatsvaga kuMagunje.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vati vange vari mumusangano nekudaro hatina kukwanisa kunzwa divi ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG