Accessibility links

Breaking News

Amai Ellen Johnson Sirleaf Votungamira Chikwata Chiri Kunoongorora Sarudzo dzemuZimbabwe


Amai Ellen Johnson-Sirleaf

Vaongorori vesarudzo kubva munyika dzakawanda pasi rose vari munyika kana kuti murwendo rwekuenda sezvo sarudzo idzi dzakatariswa nepasi rose.

Vari kutungamira Commonwealth mukuongorora sarudzo munyika uye vaimbova mutungamiri wenyika yeGhana VaJohn Dramani Mahama vakasvika muZimbabwe nemusi weMuvhuro.

Nemusi weChipiri, vaimbova mutungamiri wenyika yeLiberia Amai Ellen Johnson Sirleaf, nhengo yedare reparamende yeCongress reAmerica Amai Karen Bass uye vaive mutevedzeri wemunyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica Ambassador Johnnie Carson vari kutarisirwawo kuenda kuZimbabwe.

Amai Johnson Sirleaf nevamwe vavo vari kuutungamira chikwata chevanhu makumi maviri nevaviri vakamiririra masangano emuAmeric anoti National Republican Institute neNational Democratic Institute.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch raparurawo hurongwa hwekushandisa dandemutando kuburitsa nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Hurongwa uhu huchabatsira vaongorori vesarudzo hwaparurwa muHarare nemusi weMuvhuro.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica VaDewa Mavhinga vanoti vari kufara kuti nekuwanda kwevaongorori mhirizhonga inogona kuderera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG