Accessibility links

Breaking News

Ndiyani Angagadzirise Hupfumi Zanu-PF Kana MDC Alliance?


VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora

Apo nyika yatarisana nesarudzo nemusi weMuvhuro, zvinhu munyaya dzezvehupfumi zvaramba zvakaita manyama amire nerongo.

Mari yave kunyanya kushaikwa uye mitengo yezvinhu yave kuramba ichiita chamurambamhuru.

Mapato ari kupinda musarudzo idzi ose ari kuvimbisa kuti akasarudzwa achaita maminimini ekugadzirisa hupfumi.

Asika muromo hauzarirwe nerwizi. Mapato ari kunzi neongoro yeAfrobarometer anokwanisa kukunda musarudzo iMDC Alliance iri kutungamirwa naVaNelson Chamisa neZanu-PF iri kumirirwa naVaEmmerson Mnangagwa musarudzo yemutungamiri wenyika.

Munyori mukuru muMDC-T inotungamirwa naVaChamisa, VaDouglas Mwonzora, vanoti Zanu-PF yakundikana kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.

Asi munyori wezvemutemo muZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti vatotanga kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora naVaPaul Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG