Apo nyika yatarisana nesarudzo nemusi weMuvhuro, zvinhu munyaya dzezvehupfumi zvaramba zvakaita manyama amire nerongo.
Mari yave kunyanya kushaikwa uye mitengo yezvinhu yave kuramba ichiita chamurambamhuru.
Mapato ari kupinda musarudzo idzi ose ari kuvimbisa kuti akasarudzwa achaita maminimini ekugadzirisa hupfumi.
Asika muromo hauzarirwe nerwizi. Mapato ari kunzi neongoro yeAfrobarometer anokwanisa kukunda musarudzo iMDC Alliance iri kutungamirwa naVaNelson Chamisa neZanu-PF iri kumirirwa naVaEmmerson Mnangagwa musarudzo yemutungamiri wenyika.
Munyori mukuru muMDC-T inotungamirwa naVaChamisa, VaDouglas Mwonzora, vanoti Zanu-PF yakundikana kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.
Asi munyori wezvemutemo muZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti vatotanga kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.
Facebook Forum