Accessibility links

Breaking News

Vaongorori veSarudzo Vopesana paNyaya yeZimbabwe


VaEmmerson Mnangangwa

Masangano ari kuongorora sarudzo munyika ari kupa pfungwa dzakasiyana pamafambiro akaita sarudzo dzakaitwa nemusi weMuvhuro.

Masangano akaita seEuropean Union uye mamwe ekuAmerica akaita seNational Democratic Institute kana kuti NDI neInternational Republican Institute kana kuti IRI anoti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka kunyangwe munyika maive nerunyararo.

EU inoti sarudzo idzi dzange dzakasangana nezvimhingamupinyi zvakawanda kusanganisa kugunun’una nemabatirwo esarudzo nesangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC, kutora divi kwenhepfenyuro dzehurumende, kutyisidzirwa kwevanhu uye kunonoka kubuda kwezvakabuda musarudzo.

Masangano eIRI neNDI anoti kunyangwe vanhu vaitsvaga rutsigiro murunyararo, kune nyaya dzekutyisidzirwa kwevanhu, kushandiswa kqwechikafu nezvirimwa kutenga mavhoti nezvimwe. Asi veSADC, COMESA neAfrican Union anoti sarudzo dzakafamba zvakanaka kunyangwe paine zvimwe zvichemo.

Muzinda weAmerica muZimbabwe wati vakuru vemapato ose vanofanira kukurudzira vatsigiri vavo kuti vasaite mhirizhonga. Vatiwo mauto anofanira kusashandisa chisimba chakanyanyisa mukudzivirira vanhu kuratidzira.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika vari mukuru weMedia Centre VaEarnest Mudzengi avo vati hapana mutsauko wakakura pane zviri kutaurwa nevaongorora vesarudzo sezvo vose vari kuti pane zvimwe zvinoda kugadziriswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG