Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voshorwa neKubatanidza Nyaya dzeHurumende nedzeZanu-PF


VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo Amai Auxilia Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo Amai Auxilia Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemusi weChitatu vange vari kuKwekwe uko vange vachivhura zviri pamutemo chimwe chikamu chikuru chemvuto yekoromo kana kuti chrome plant chekambani yeAfrican Chrome Fields.

Kunyange hazvo uyu wange usiri musangano wezvematongerwo enyika, vanhu vakawanda vakapinda pamusangano uyu vange vakapfeka hanzu dzebato reZanu-PF dzine mufananidzo waVaMnangagwa. Ivo VaMnangagwa vainge vachitaurawo zvematongerwo enyika.

VaMnangagwa vakakurudzira vanhu kuti vavavhotere vachiti vane nhoroondo yekuunza rusununguko.

Mapato anopikisa nemamwe masangano akaita seZimbabwe Election Support Network anoti VaMnangagwa vari kushandisa midziyo yehurumende kutsvaga rutsigiro. Izvi zvakambotaurwao nasachigaro weZESN VaAndrew Makoni.

Asi vachipindura, vanoona nezvemutemo muZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti izvi ndozvinoitwa nevamwe vatungamiri pasi rose

VaMnangagwa vakati zvavari kuparura zviri kupa kuti vanhu vawane mabasa vachitenda veAfrican Chrome Fields nebasa guru ravari kuita munyaya dzezvicherwa.

Mutungamiri wenyika atiwo akwanisa kukwezva mari inosvika mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora kubva zvavatanga kutungamira nyika gore rapera.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti izvi handizvo nekuti vari kusanganisa kana vanhu vari kungobvunza nezvekuda kutanga mabasa pasina kuzouchika mari muZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG