Accessibility links

Breaking News

Kushungurudzwa kweVatsigiri veMDC Alliance Kuchiri Kuenderera Mberi


Masoja anonzi achirikunetsa vanhu vemapato anopikisa
Masoja anonzi achirikunetsa vanhu vemapato anopikisa

MDC Alliance inoti nhengo dzayo dziri kuramba dzichioneswa ndondo nemapurisa uye vamwe vanhu vasiri kuzivikanwa vanofungidzirwa kuti vari muchiuto kubazi reMilitary Intelligence.

NeChitatu, nhengo yeMDC Alliance ichange ichimirira Budiriro muparamende, VaCosta Machingauta, vakambodaidzwa nemapurisa kuLaw and Order Section kuHarare Central Police Station vakapomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga muHarare mukutanga kwemwedzi uno apo pakazoguma papfurwa vanhu vatanhatu nemauto vachibva vafa vamwe vachikuvara.

Gweta raVaMachingauta, VaTarisai Mutangi, avo vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti VaMachingauta vanonzi vakatyora mutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act.

Kusvika pari zvino nhengo dzeMDC Alliance makumi matatu nevaviri kusanganisira VaMachingauta dzasungwa dzichipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga. \

Asi vanhu vose ava vakaburitswa mutirongo kunyange hazvo nyaya dzavo dzichiri kutongwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG