WASHINGTON —
Sangano reZimbabwe Electoral Commission, Zec nemusi weChipiri rakazodududza pahurongwa hwaro hwekuti vanhu pavanenge vachivhota vange vachionekwa nevanenge vachivhotesa.
Vachitaura padandemutande rayo retwitter, Zec yati yange isina kuwana nguva yekudzidzisa vanhu nekuvandudza hurongwa hwekuvhota.
Zec inoti yainge yaita izvi ichiti vanhu vaizotora mifananidzo yemapepa ekuvhotesa nenharembozha.
Izvi zvakashorwa zvikuru nemapato anopikisa uye masangano anoongorora sarudzo.
Sachigaro wesangano reZimbabwe Elections Support Network, VaAndrew Makoni, vanoti vatambira nemufaro zvikuru hurongwa hutsva hweZec sezvo huchibatsira kuti vanhu vavhote muchivande vakasungunuka.
Facebook Forum