Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yozadzazve Mauto Mumigwagwa neNhandare dzeNdege


Zimbabwe Army
Zimbabwe Army

Hurumende inonzi yazadza mauto, vasori, mapurisa uye matikitivha akapakatira zvombo pamaroad blocks, nhandare dzendege uye kumabhodha ose izvo zvopa kuti nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziti zviri kuratidza kuti zvinhu hazvina kugadzikana.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kufambawo vakachengetedzwa nemauto nevasori chete pasina mapurisa pedyo kunze kwevezvimidhudhu.

Nyazvi munyaya dzezvehupfumi dzinotiwo kuwanda kwevanochengetedza munyika nekunze kunokanganisa vanoda kuuya kuzotanga mabhizimisi munyika.

Mashoko aya anotsnhirwa naDr Godfrey Kanyenze, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

VaKanyenze vanoti kuvapo kwemauto mumigwagwa munongedzo wenyika isina kugadzikana zvinoita kuti vemabhizimisi vatye kuzotanga mabhizimisi.

Hatina kukwanisa kubata mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, uye vari gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Retired General Constantino Chiwenga.

Adaira nharembozha yavo ati vange vakabatikana.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri vemauto, VaEverson Mugwisi, kuti tinzwe kuti sei mauto kubva kudivi reMilitary Intelligence vari mumigwagwa.

Hurumende dzeAmerica neBritain dzakambozivisa hurumende kuti mauto haafanire kunge achiita mabasa anofanira kuitwa nemapurisa izvo zvinonzi zvakakonzera kuurayiwa kwevanhu vanomwe muHarare masvondo apera mushure mekupfuurwa nevanofungidzirwa kuti mauto.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Doctor Victor Chimhutu, vanoti zviri kuitwa nemauto zvinoratidza kuti VaMnangagwa vanoshandisa mauto kutodarika zvaiitwa nevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG