Kunyangwe hazvo sangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti Zec riri kuti ragadzirira zvose zvinodiwa kuti zviitwe musarudzo uye richiti rinotarisira kuti dzinenge dzakachena, sangano rinoongorora sarudzo reZimbabwe Election Support Network rinoti vanhu vakawanda munyika havachina chivimbo nesangano reZec.
ZESN inoti ongororo yayakaita iri kuratidza kuti vanhu vakawanda vari kushushikana zvikuru nekugunun’una kuri kuita vemapato anopikisa nezvekubatwa kwesarudzo, kugadzirwa kwegwaro rekuvhotesa nezvimwe.
Mapato mazhinji anopikisa anoti Zec yarasa pembe ichibva yabatana nechikwata cheZanu-PF.
Asi Zanu-PF inoti izvi ndezvemugotsi matsuro.
Mumwe komishina weZec, VaQubani Moyo, vanoti vatotanga gadziriro yavo uye panosvika musi weChishanu vanenge vatopedza zvose zviri kudiwa.
Facebook Forum