Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, iri kuramba mashoko emutungamiri weMDC-T uye vachamirira MDC Alliance musarudzo yemutungamiri wenyika, VaNelson Chamisa, ekuti komisheni iyi iri kushanda nevanhu vekuRussia pamwe nekuChina kuti ibirire sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.