Accessibility links

Breaking News

ZLHR neMapato Anopikisa Vobatana Kuti ZEC Iburitse Gwaro reVavhoti Rine Zviso zveVanhu


Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights nemapato anopikisa vabatana mukupikisa nyaya yakakwidzwa kudare nemumwe muvhoti Amai Ethel Mpezeni yekuti ZEC isaburitse gwaro rine mifananidzo yevanhu remahando yeBVR sezvinodiwa nebumbiro remutemo.

Mapato ari kupikisa anosanganisa MDC Alliance, Renewal Democrats of Zimbabwe, People’s Democratic Party, Coalition for Democrats, National Constitutional Assembly uye vamwe vanhu vakaita saAmai Theresa Manase, VaEvan Mawarire, VaHarrison Nkomo, VaJeremiah Bamu, VaDouglas Coltart naVaWarship Dumba vanoti zviri kudiwa naAmai Mpezeni zvinopa kuti sarudzo dzemunyika dziite mutauro.

Amai Mpezeni vanoti kuburitsa mufananidzo kutyora kodzero dzavo. Mapato akawanda ari kukumbira ZEC kuti ivape gwaro rine mifananidzo yevanhu. Gweta reZimbabwe lawyers for Human rights VaDenford Halimani vaendesa kudare VaMpezeni, gurukota rezvemutemo VaZiyambi Ziyambi neZEC.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG