Accessibility links

Breaking News

AU Inoti Ichagara Munyika Kunyangwe Mavhoti Apera Kuverengwa Kuitira Kugadzirisa Zvingazonetsa


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Sangano reAfrican Union rinoti vaongorori varo vesarudzo vacharamba vari muZimbabwe panopera sarudzo kusvika musi wa15 Nyamavhuvhu kuona hurongwa hwekuverengwa kwemavhoti uye kuyananisa kana paita vamwe vasina kufara nenyaya yesarudzo yacho.

Sangano iri rinotiwo riri kuzoongorora zvakasimba sarudzo dzemuZimbabwe dziri kuitwa musi wa30 mwedzi uno.

Mumashoko kuvatori venhau nezuro, sangano iri rinoti rakatotumira chimwe chikwata chevaongorori vesarudzo kare mushure mekukokwa nesangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC. Sangano iri rinoti nyaya yekuita sarudzo dzakachena idonzvo guru rinounza budiriro muAfrica.

AU yakatumira zvikwata zvevanhu vakati wandei kuZimbabwe. Chimwe chikwata chevanhu vashanu chakabatsira ZEC nehunyanzvi munyaya dzesarudzo uye chakatanga kuita basa musi wa 15 mwedzi wapera chikapedza musi wa 8 mwedzi uno.

Pane chimwe chikwata chiri muZimbabwe chine vanhu gumi nevana chakazvikawo svondo rapera. Vanhu gumi pachikwata ichi vanenge vari munyika kusvika musi wa 15 mwedzi unouya.

Sarudzo dzemuZimbabwe dziri kuratidza kuti dzichanetsa sezvo vanopikisa vari kuti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa sarudzo nesangano reZEC.

Nhasi vanopikisa vachitungamirwa neMDC Alliance vanenge vachiratidzira muHarare kuti ZEC iunze shanduko.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG