Mubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance unoti uri kuzoratidzira muHarare nemusi weChitatu svondo rinouya uchinyunyuta nemabatirwo awunoti ari kuitwa gadziriro yesarudzo nekomisheni yezvesarudzo ye Zimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.
Mubatanidzwa uyu unoti ZEC haisi kubuda pachena panyaya yegwaro remazita evavhoti uye nyaya yekudhindwa nekuchengetedzwa kwemagwaro ekuvhotesa.
Asi ZEC inoti iri kungozorwa mafuta enguruve yaisina kudya ichiti zvimwe zviri kudiwa nemapato anopikisahazvikwanisike.
Munyori mukuru weMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa VaGouglas Mwonzora, vanove zvakare munyori mukuru weMDC Alliance, vaudza Studio 7 kuti vachafora kubva kuAfrica Unity Square kuenda kumahofisi eZEC nekudzoka.
Izvi zvatsinhirwawo nemunyori anoona nezvekurongwa kwemabasa muMDC-T VaAmos Chibaya avo vanoti chavari kungoda chete ndechekuti ZEC ivazivise kuti mapepa ekuvhotesa achadhindwa kupi uye achachengetedzwa kupi uye nani.
VaChibaya vanoti hapana sarudzo dzinoitwa munyika kana pasina gwaro revavhoti rakachena uye pasina kugadziriswa nyaya yekuti mapepa ekuvhotesa achadhindwa nani.
Facebook Forum