Vari kutungamira MDC Alliance musarudzo yemutungamiri wenyika, VaNelson Chamisa, vaita musangano wapindwa nezviuru nezviuru zvevanhu kuGutu East neGutu South kuMasvingo.
VaChamisa vakurudzira vanhu kuti vapedze hutongo hweZanu-PF nekuvavhotera musarudzo yemutungamiri wenyika iri kuitwa musi wa 30 Chikunguru.
Musangano uyu wapindwawo nevaongorori vesarudzo kubva kuEuropean Union.
VaChamisa vazivisa vatsigiri vavo kuti vanofanira kuvhota vakachenjera musarudzo dziriko mukupera kwemwedzi uno.
VaChamisa vambodzorawo ndangariro apo vataura nezvemanakiro ainge akaita nzvimbo yeGutu South makare kare.
Vaimbova gurukota rezvedunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, avo vave nhengo yeMDC Alliance vataurawo pamusangano uyu vachikurudzira vanhu kuti vavhotere VaChamisa.
Murongi wemabasa muMDC-T, VaAmos Chibaya, vakurudzirawo vanhu kuti vavhotere mubatanidzwa weMDC Alliance.
Nemusi weChina, VaChamisa vari kuita misangani kuMashonaland West kuKaroi nekuHurungwe Central.
Facebook Forum