Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voita Misangano neVamwe Vatungamiri kuAfrican Union


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kudzoka munyika nhasi mushure mekupeta musangano weAfrican Union wakanangana nerunyararo kuMauritania.

VaMnangagwa nemakurukota avo vanonzi nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vave kushandisa misangano iyi kuyedza kuumba hukama nedzimwe nyika.

Mutungamiri wenyika akaita misangano nemutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa, mutungamiri weSierra Leone VaJulius Maada Bio, mutungamiri weSudan VaOmar al-Bashir, mutungamiri weNamibia VaHage Geingob nevamwe.

Zvichakadaro, gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo vari kuenda kunetherland uko gurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa vacheinda kuGermany.

Munyori wezvemutemeo muZanu-PF vari nhengo yePolitburo VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti misangano iyi yakakosha zvikuru sezvo VaMnangagwa vachiri mutungamiri wenyika mutsva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG