Accessibility links

Breaking News

Varume Vaviri Votongwa neMhosva yekuBvarura Mapepa eKutsvaga Rutsigiro aVaMnangagwa


Mapepa aVaMnangagwa akutsvagisa rutsigiro anonzi akabvarurwa kuEpworth.
Mapepa aVaMnangagwa akutsvagisa rutsigiro anonzi akabvarurwa kuEpworth.

Dare ramejasitiriti muHarare neChipiri rakapa vamwe varume vaviri mukana wekubvisa mari yechibatiso mushure mekunge vasungwa kuEpwoth pedyo neHarare vachipomerwa mhosva yekubvarura mapepa ekutsvaga rutsigiro kana kuti maposter emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vari kukwikwidza musarudzo vakamirira Zanu-PF.

Vaviri ava vanoti VaPeter Bizare naVaTatenda Kamutungunde vanogara kuEpworth vakasungwa neMuvhuro vakapomerwa mhosva yekutyora mutemo weElectoral Act Chapter 2.

Asi vaviri ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Mejastiriti VaRumbidzai Mugwagwa vakati vaviri ava vabvise madhora makumi maviri pamunhu semari yechibatiso vozodzoka kudare nemusi wa 13 mwedzi uno.

Vachuchusi vanotiwo VaBizare naVaKamutungunde vakanamira mapepa avo kana kuti maposter maviri pachitoro chaVaWeston Mushangura vasina mvumo uye pakunamira maposter aya vakabva vabvarura aVaMnangagwa.

Vaviri ava vainamira maposta aAmai Zalerah Makari vaimbova nhengo yeZanu-PF vakakundwa musarudzo dzema primary naVaKudakwashe Damson.

Mumwe ari kukwikwidza musarudzo idzi ndiVaEathrage Kureva veMDC Alliance.

Vaviri ava vanonzi vakabvarura mapepa aVaMnangagwa vachibatsirwa nevamwe vagari vemuEpworth vachiri kutsvagwa nemapurisa.

Vaviri ava vari kumiririrwa nemamgweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights anoti VaNoble Chinhanu naMuzvare Idirashe Chikomba.

VaLizwe Jamela, rimwe gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti zvichienzaniswa nesarudzo dzapfuura, nyaya dzemhirizhonga yezvematongerwo enyika yakadzikira.

Vajamela vanoti dzimwe dzenyaya idzi ndedzenhengo dzebato rimwechete dzinenge dzichinetsana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG