Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oronga Kubvunzurudza Amai Mugabe naVaKasukuwere Pamusoro peGirinedhi Rakakandwa kuBulawayo?


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Mapurisa anonzi ari kuda kubvunzurudza mudzimaim wevaimbove mutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, pamwe nevaimbove gurukota rezvematunhu, VaSavior Kasukuwere, pamusoro pegirinedhi rakaputika kuWhite City Stadium kuBulawayo mwedzi wapera.

Girinedhi iri rinonzi raida kuuraya mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Girinedhi iri rakauraya vanhu vaviviri vaichengetedza vatevedzeri vemutungamiri wenyika, vanoti VaNelson Dube naVaStanley Mugunzva, uye rikakuvadza vamwe makumi mana nevanomwe, vanosanganisira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi pamwe nemudzimai wemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Mary Chiwenga.

VaMnangagwa vakaudza nhepfenyuro yeBBC kuti vanofungidzira kuti zvakaitwa nechikwata cheG40 chinotsigira vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe nemudzimai wavo, avo vakadzoka munyika kubva kunorapwa kuSingapoe neChipiri.

Hatina kukwanisa kubata Amai Mugabe kuti tinzwe divi ravo.

Asi gweta raVaKasukuwere, VaJonathan Samkange, vaudza Studio7 kuti vakangonzwawo kuti VaKasukuwere vari kutsvagwa asi havasi kuziva mhosva yavari kupomerwa.

Mapurisa anonzi akafumobata jongwe muromo achienda kumba kwaVaKasukuwere muHarare asi haana kuwana Vakasukuwere.

Zvinonziwo mapurisa havana kutaura kuti vaivadira mhosva yei.

Asi vamwe vari pedyo naVaKasukuwere vanoti vanenge vatodzokera muhupoteri kuSouth Africa kunyange hazvo vari kuti vakagadzirira kudzoka kumusha kana vaudzwa mhosva dzavari kupomerwa.

Gurukota rezvemukati menyika, VaObert Mpofu, vaudza Studio7 kuti havana ruzivo nenyaya yekuti mapurisa ari kuda kubvunzurudza Amai Mugabe naVaKasukuwere. Vatiwo titaure nemutauriri wemapurisa nezvenyaya iyi.

Asi mutauriri wemapurisa, Chief Superintendent Paul Nyathi, vati vange vari kunze kwedhorobha nekudaro havana chekutaura pari zvino.

VaMpofu vatiwo varume vaviri vainge vasungwa kuBulawayo mazuva apera, VaJohn Zulu naVaDouglas Musekiwa, vainzi mumapepanhau vane chekuita nekubombwa kwakaitwa kuWhite City Stadium, vainge vasungirwa havo imwe nyaya, uye vakatoburitswa.

Asi vachitaura nevatori venhau muBulawayo neChipiri, mukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, vakati pane vanhu vaviri vari muhusungwa, izvom zvinopesana zvikuru nemashoko aVaMpofu.

VaMatanga vakatiwo vave pedyo nekusunga vamwe vavasina kudoma nemazita nenyaya yegirinedhi iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weMedia Center, VaEarnest Mudzeng, vanoti hazvivashamise kuti mapurisa ari kuda kubvunzurudza Amai Mugabe naVaKasukuwere sezvo chikwata cheG40 chakatopunhwa huroyi naVaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG