Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Vanoda Kuti Mari neMabasa Zvigadziriswe neMunhu Achakunda Musarudzo


Nyika yatarisana nesarudzo dzakakosha musi wa 30 Chikunguru asi shoko riri pamuromo yevakawanda inyaya yekugadzirisa hupfumi hwenyika uho hwaenda kumawere.

Munyika hamuna mabasa nenyaya yekuvharwa kwemakambani. Mari iri kunetsawo zvakanyanya uye dambudziko iri riri kuramba richikomba munyika.

Izvi zvapa kuti vakawanda vapone nenhoko dzezvironda vamwe vachinopotera kune dzimwe nyika

Vari kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika vari kuvimbisa vanhu kuti vachaita mamini mini kugadzirisa nyaya yehupfumi.

Asi mubvunzo weStudio7 nhasi ndewekuti chii chaizvo chiri kudiwa nevana veZimbabwe kuti chitangwe chagadziriswa.

Mumwe mugari wemuHatfiled muHarare, VaWilliam Katurura, vanoti zvinoda kugadziriswa ifararira asi nyaya yekushomeka kwemari ndiyo iri kunyanya kuvashungurudza.

VaLeadmore Murandu vari kuPort Elizabeth muSouth Africa vanotiwo havana chivimbo chekuti Zanu-PF ingagadzirise matambudziko avo ehupfumi sezvo yave nemakore iri panyanga pasina chiri kuitika.

Asi vari kupinda musarudzo vakamirira Zanu-PF musarudzo dzemakanzura, VaSamu Mawawo vekuKariba, vanoti bato ravo rinokwanisa kuvandudza zvinhu sezvo paine musiyano pakati pehurumende yaitungamirwa nevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neyaVaEmmerson Mngagagwa.

VaTawanda Hungwe vekwaGutu vanotiwo nyaya yemari inofanira kugadzirisa nyaya yemari nekuwanira vanhu mabasa.

Amai Eunince Muchemwa vekuMkoba kuGweru vanotenderana naVaHungwe kuti nyaya yemari yave kuvaonesa ndondo uye inofanira kugadziriswa.

Makare vanhu kubva kunyika dzakaita seZambia, Mozambique neBotswana vaiuya kuzotsvaga mabasa.

Asi ichokwadi kuti kare haagare ari kare. Vana veZimbabwe ndivo vave kutoenda kunosunza kunyika idzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG