Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoudza Studio 7 Kuti VaChakunda Musarudzo Dzikaitwa Pachena


Nelson Chamisa
Nelson Chamisa

Vari kukwikwidza musarudzo vakamirira MDC Alliance musarudzo dzemutungamiri wenyika VaNelson Chamisa vanoti munyika munofanira kuitwa muonera pamwe chuma chemuzukuru panyaya yekuti sarudzo dziitwe pachena.

Vachitaura neStudio 7, VaChamisa vati mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa handivo chete vane simba rekumisa sarudzo sematauriro avari kufamba vachiita pakutsvaga rutsigiro.

Vati pakaita sungawirirano pasarudzo vanhu vanotambira zvinenge zvabuda musarudzo dzacho.

VaChamisa vanoti kusvika parizvino havasati vapindurwa neZimbabwe Electoral Commission pachikumbiro chekuti vaite hurukuro pakugadzoirisa zvichemo zvavo kusanganisa nyaya yegwaro revavhoti uye rekuvhotera.

VaChamisa varamba mashoko ekuti vari kutya kukundwa musarudzo vachiti Zanu-PF ndiyo isiri kunyatsobuda pachena nekutya kukundwa musarudzo.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu-PF Vasimon Khaya Moyo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG