Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Yapedza Kudhindha Mapepa eKuvhotesa Musarudzo dzeMutungamiri weNyika


Amai Priscilla Chigumba
Amai Priscilla Chigumba

Sangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC rinoti rapedza kudhinda magwaro ekuvhotesa musarudzo dzemutungamir wenyika chete idzo dziri kuitwa musiu wa 30 mwedzi uno.

Vachitaura nebepanhau reHerald komishina weZEC, VaQubani Moyo vakati vachazivisa huwandu hwegwaro ekuvhotesa sezvinodiwa nemutemo wesarudzo kana kuti Electoral Act.

Vanoti magwaro ekuvhotesa aya akadhindwa kuFidelity Printers muHarare. ZEC iri kunetsana nemapato anopikisa akawanda ichipomerwa mhosva yekusafambisa sarudzo zvakanaka.

Nezuro vari kutungamira MDC Alliance vakatungamira vatsigiri vebato ravo mukuratidzira muHarare vachiti havasi kufara nemabatirwo esarudzo neZEC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vakaudza vatsigiri vebato ravo kuSimchembo 1 Primary school kuGokwe North kuti bato reZanu-PF handiro rinoudza ZEC zvekuita. Vakati MDC Alliance haifanire kuramba ichirova bembera asi kuti inofanira kusiya ZEC ichiita basa rayo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG