Vaimbova munyori mukuru weUnited Nations VaKofi Annan vari kutungamira chikwata chavanasorojena kana kuti The Elders kunoongorora nyaya yesarudzo muZimbabwe kubva musi weChina kusvika Mugovera.
Vamwe vari mukanzuru iyi vari kuenda kuZimbabwe vanosanganisa Amai Mary Robinson avo vaimbova mutungamiri weIreland uye vaimbotungamira komisheni yeUnited Nations inoona nezvekodzero dzevanhu kana kuti UN High Commissioner for Human Rights uye VaLakhdar Brahimi vaive gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAlgeria vari munyarikanani muUnited Nations.
VaAnnan nechikwata chavo vari kutarisirwa kusangana nevemapato ezvematongerwo enyika, Zimbabwe Electoral Commission uye masangano akazvimirira.
Muna 2008 chikwata chavanasorojena ichi chaisanganisira vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaJimmy Carter, VaAnnan nemudzimai waVaMandela, Amai Graca Machel chakarambidzwa kupinda muZimbabwe nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira Media Centre VaEarnest Mudzengi vanoti rwendo rwaVaAnnan urwu rwakakosha zvikuru kuZimbabwe iyo yakatariswa nenyika dzepasi rose kuti ionekwe kuti yatora gwara idzva here kubva zvabviswa vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pachigaro nemauto gore rapera.
Facebook Forum