WASHINGTON —
Mutungamiri wenyika yeAmerica vadonald trump nhasi vadoma mutongi wedare repamusoro soro mutsva VaBrett Kavanaugh kuti vatsive chigaro chakasiiwa naJustice Anthony Kennedy avo vakaenda pamudyandigere.
Izvi zvave kureva kuti VaKavanaugh vave kuenda kudare reSenate kuti rivhote kuti votora chigaro ichi here.
Bato rinopikisa remaDemocrats rinoti harisi kuvavhotera asi rine nhengo shoma zvekuti rinoda kuti vamwe vaviri kubva kumaRepublicans vavhote navo.
America ine vatongi vapfumbamwe kudare repamusoro soro reSupreme Court.
Facebook Forum