Accessibility links

Breaking News

ZEC Yoramba Kuti Iri Kushanda neChina neRussia Kubirira Sarudzo


Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba
Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba

Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, iri kuramba mashoko emutungamiri weMDC-T uye vachamirira MDC Alliance musarudzo yemutungamiri wenyika, VaNelson Chamisa, ekuti komisheni iyi iri kushanda nevanhu vekuRussia pamwe nekuChina kuti ibirire sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatsigiri vavo muMarondera nemusi weSvondo, VaChamisa vakati ZEC iri kushanda pamwechete nemauto nevekuRussia neChina kuti vabirire sarudzo dzemwedzi uno.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemauto, VaOverson Mugwisi, kuti tinzwe pamire vari muchiuto panyaya iyi. Asi VaMugwisi vakaudza vatori venhau kuti basa remauto nderekutevedzera bumbiro remitemo pamwe nekurichengetedza kwete kupindira mune zvematongerwo enyika.

Asi sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba, vanoti mashoko aVaChamisa aya ndeemugotsi matsuro.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, Muzvare Memory Kadau, vanoti mawoko eZEC haana kuchena panyaya iyi.

Musarudzo dzemuna 2013, MDC-T yakati yakabirirwa zvemhando yepamusorosoro nevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pamwe nebato ravo reZanu PF pachishandiswa kambani yekuIsrael inonzi Nikuv. VaMugabe vakazobviswa pachigaro nemauto muna Mbudzi wegore rapera ayo ari kuti haapindire munyaya dzezvematongerwo enyika.

Zvichakadaro, mubatanidzwa weMDC Alliance uri kuronga kuratidzira muHarare mangwana uchiti hausi kufara nemafambisirwo ari kuitwa basa neZEC pamberi pesarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG