Accessibility links

Breaking News

Dambudziko Rekushomeka kweMari Roramba Richikura Munyika


Dr John Mangudya
Dr John Mangudya

Dambudziko rekushomeka kwemari munyika riri kuramba richitemesa vakawanda musoro sezvo hurumende iri kunzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi inenge yapererwa nemazano.

Gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vakatozivisa kuti bhanga ravo rave kumbomira kupa vanhu madhora ekuAmerica kuburikidza nekumabhanga vachiti vari kuitengesa pamukoto.

Vanhuwo zvavo vanoti vakaenda kumabhanga vakaita rombo rakanaka vari kupihwa mari yemabond notes asi ari macoins kwete yepepa kazhinji ari madhora makumi maviri. Vari kushandisa EcoCash neOne Money.

Zvinhu munyika zvakaita manyama amire nerongo parizvino zvekuti vemakambani sematauriro ari kuita mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries VaSifelani Jabangwe ari kutatarika kuwana mari yekuti vatenge zvinhu kunze.

VaJabangwe vanoti vanowirirana nedanho ratorwa nebhanga guru renyika rekusimbisa kupa vemakambani mari kwete vanhuwo zvavo.

Vatendawo kuti vemakambani vari kuomerwa nezvinhu nekushaya mari zvekuti vanoguma votenga mari yekuAmerica pamukoto ichidhura vozodhurisawo zvinhu zvavanotengesa.

Asi mutungamiri webato rinopikisa reeople's Democratic Party vari nhego yeMDC Alliance, VaTendai Biti, avo vaive gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa weZanu PF neMDC, vanoti zviri kuitwa naVaMangudya kupedza nguva kuteya nzou neriva.

VaBiti vati hurumende iripo haina zano rekuti ingabude sei mugomba mayazvicherera uye vanhu vanokwanisa kuenda kumatare.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institiute of Zimbabwe, VaPropser Chitambara, vanoti zviri kuitwa naVaMangudya havaone zvichishanda.

Vanhu vanotiwo mari iri mumabhanga haichina chiremera zvekuti huremu hwayo kana vachida kuishandisa yakaderera nezvikamu zvinodarika makumi mashanu kana kupfuura kubva muzana kana vachishandisa dhora rekuAmerica.

Sezvo nyika yatarisanawo nesarudzo, mapato ezvematongerwo enyika ari kuvimbisawo kuti achagadzirisa dambudziko iri kana achinge asarudzwa.

Vari kutungamira MDC Alliance musarudzo yemutungamiri wenyika, VaNelson Chamisa, vanoti chiri kunetsa imari yebond note inofanira kubviswa sezvo pasina chairi kubatsira.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanoti vanhu vanofanira kushandisa dzimwe nzira dzisingadi mari chaiyo.

Dhora remuZimbabwe rakaparurwa muna 1980 rikashanda kusvika muna 2009 apo vaive gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono vakatanga kuparura dzimwe mari dzavaiti dzizoshanda kwenguva pfupi.

Muna 2009 hurumende yemubatanidzwa yakaunza kushandiswa kwemari dzakasiyana siyana kusanganisira dhora rekuAmerica, rand, pula, euro nedzimwe.

Iko zvino pave nechivimbiso chekuti dhora reZimbabwe ridzoke asi izvi hazvisati zvamboitika kuti nyika yange yamboshandisa dhora rekuAmerica idzokere kumari yayo.

Kunyange hazvo hurumende iri kuvimbisa kuti pane mari iri kubva kuAfreeximbank kuzopedza dambudziko remari, zvinhu zvaramba zvakaita manyama amire nerongo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG