Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yokumbira Musangano neZEC


Vamwe vevatungamiri vemapato ari muMDC Alliance vanoti VaWelshman Ncube, VaNelson Chamisa, naVaTendai Biti.
Vamwe vevatungamiri vemapato ari muMDC Alliance vanoti VaWelshman Ncube, VaNelson Chamisa, naVaTendai Biti.

Mubatanidzwa unopikisa weMDC Alliance wanyora tsamba kuZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC uchikumbira kuita musangano nekomisheni iyi kuti vazeye nyaya dziri kunetsa dzakanangana nesarudzo, idzo dzasarirwa nemazuva makumi maviri nemashanu chete.

Mutsamba yanyorwa naVaJameson Timba, avo vari kumiririra vari kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika vakamirira MDC Alliance, VaNelson Chamisa kuZEC, mubatanidzwa uyu unoti uri kuda kuona gwaro richashandiswa pakuvhota uye kuti richachengetedzwa kupi.

Mumashoko avo, VaTimba vanotiwo vanodawo gwaro revavhoti rine mifananidzo re Biometric Voter Registration.

Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba vanoti vakagadzirira kuita musangano nemapato ose ari kukwikwidza musarudzo kuti vazeye zvichemo zvavo.

VaChamisa vachinyora padandemutande ravo reTwitter vanoti vanyorerarawo kuvatungamiri venyika dzemuSADC neAfrican Union nezvemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaMaxwell Saungweme vanoti zvichemo zvine mubatanidzwa weMDC Alliance zvakakosha asi hapachina nguva yekuti zvigadziriswe sarudzo dzisati dzaitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG