Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vari kushanya ku Dar es Salaam kuTanzania kwemazuva maviri vanoti mumwe wevatevedzeri vavo VaKembo Mohadi, uye sachigaro webato iri vari gurukota rezvezviwanikwa Amai Oppah Muchinguri Kashiri vakaendeswa kunorapwa kuSouth Africa mushure mekukuvara pakaputika girinedhe kuWhite City Stadium nemusi weMugovera.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kubuda munyika nhasi vachienda kunyika isina kudomwa nezita asi chikonzero chekuti sei vasina kuenda kumusangano kwavaitarisirwa nezuro kuHwange Colliery Stadium iri kuramba ichitemesa vanhu musoro.
Komiti yedare reSenate muAmerica inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika kana kuti Senate Foreign Relations Committee nezuro yakatambira hurongwa hwekuda kuvandudza mutemo wakatemera vamwe vakuru veZimbabwe zvirango kana kuti Zimbabwe Democracy and Economic Recovery Act of 2001-ZIDERA.
Mutungamiri webato reNational People’s Party vachitungamirawo mubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition musarudzo dzemutungamiri wenyika, Doctor Joyce Mujuru vashora zvikuru kuputiswa kwakaitwa chombo kunhandare yeWhite City Stadium kuBulawayo neMugovera.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvemataongerwo enyika Doctor Pedzisayi Ruhanya avo vari kushanda neUniversity of Johannesburg vanoti ZEC inofanira kuburitsa gwaro remazita evavhoti rine mifananidzo yevanhu sezvinodiwa nechirongwa chitsva cheBVR.
Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa nemusi weSvondo vakashanyira chikoro chevana vasingaone cheJairosi Jiri chinonzi Kadoma School for the Blind
Mitambo yenhabvu yeWorld Cup iri kutambirwa kuRussia iri kuenderera mberi nhasi.
Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vanoti vari kushushikana zvikuru nekuputika kwakaita chinofungidzirwa kuti chombo kana girinendi kuWhite City Sports Stadium neMugovera rakapotsa rauraya mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vatevedzeri vavo vaviri VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi avo vanonzi vakakuvara.
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vaita musangano neChishanu paKabuyuni Gokwe Business Center vachitsvaga rutsigiro mudunhu reMidlands.
Bazi reAfrican Union Commission rinoona nezvematongerwo enyika reAfrican Union Commission Department of Political Affairs ratumira zvipangamazano munyaya dzesarudzo kuZimbabwe apo nyika yoita gadziriro yesarudzo dzemusi wa 30 mwedzi unouya.
Mabatirwo ari kuitwa sarudzo neZimbabwe Electoral Commission, Zec, ari kuramba achikonzera mutauro wakanyanya munyika vanopikisa vakawanda vachiti iri kukundikana kuita mutongi gava.
Nhengo mbiri dzedare reparamende dzeMDC Alliance dziri kukwikwidza musarudzo dzegore rino dzinoti mumiriri weMutasa Central VaTrevor Saruwaka nemuriri weMutasa South, VaDavid Chimhini, neChitatu dzakambodaidzwa kumatare amejasitiriti maMutare dzichipomerwa mhosva yekuratidzira muna 2016.
Kunetsana pakati peZimbabwe Electoral Commission nemapato anopikisa kunyanya MDC Aliance kuri kuenderera mberi nenyaya yegwaro remazita evavhoti kana kuti voters roll.
Sangano rinoongorora sarudzo rakazvimirira reElection Resource Centre kana kuti ERC, riri kukurudzira Zimbabwe Electoral Commission kuti itevedzere mutemo panyaya yekufambisa sarudzo dzegore rino kuitira kuti dzitambirwe nevari kupikisa.
Apo nyika yatarisana nesarudzo mwedzi unouya, nyaya yekushomeka kwemari iri kuramba ichinetsa zvopa kuti Reserve Bank of Zimbabwe inetsane zvakanyanya nevemakambani vamwe vachiti basa rekugovera vanhu mari yekunze ngariitwe nemabhanga.
Sangano reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN, rinoti sangano reZimbabwe Electoral Commission rinofanira kutanga kuita dzidziso yesarudzo dzemwedzi unouya sezvo pasina zvakawanda zviri kuitwa pari zvino.
Zvikwata zvemuAfrica zviri kuWorld Cup kuRussia zviri kutatarika zvakanyanya zvekuti kusvika parizvino patambwa mutambo mumwe chete nenyika dzakawanda.
Mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reNational People’s Party vachitungamirawo mubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition Amai Joice Mujuru, VaSamuel Sipepa Nkomo vanoti bato ravo semamwe mapato anopikisa, harisi kufara nemabatirwo ari kuitwa sarudzo nesangano reZimbabwe Electoral Commission.
Mutungamiri webato rinopikisa reNational People’s Party vari kutungamira mubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition Amai Joice Mujuru nemusi weSvondo vakaenderera mberi vachiita misangano kuBulawayo.
Mutungamiri wemubatanidzwa wemapato anopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vakaita misangano miviri kuVictoria Falls neHwange nezuro. KuHwange VaChamisa nevamwe vari kukwikwidza musarudzo idzi vakapotsa vadonha patafura huru kana stage yavange vari asi hapana akuvara.
Rodhai zvimwe