Accessibility links

Breaking News

America Yozeya Bhiri reKuvandudza Mutemo weZvirango Zvakatemerwa Vamwe Vakuru muHurumende


Trump Jordan
Trump Jordan

Komiti yedare reSenate muAmerica inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika kana kuti Senate Foreign Relations Committee nezuro yakatambira bhiri rekuda hurongwa hwekuda kuvandudza mutemo wakatemera vamwe vakuru veZimbabwe zvirango kana kuti Zimbabwe Democracy and Economic Recovery Act of 2001-ZIDERA.

Bhiri rekuda kuvandudza mutemo uyu rinotara zvinofanira kuitwa nehurumende yeZimbabwe kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru ava zvibviswe, zvinosanganisa kuita sarudzo dzakachena mwedzi unouya.

Vamwe vari kutungamira kuvandudzwa kwebhiri iri, Senator Jeff Flake vanoti sarudzo dziri kuitwa idzi dzakakosha zvikuru zvichitariswa nhoroondo yekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.

Vanoti America yakagadzirira kudyidzana neZimbabwe kana yaita sarudzo dzakachena. Senator Flake vanoti chivimbo chavo kuti Zimbabwe ichatora rimwe gwara munyaya dzematongerwo enyika uye gwara iri richaunza budiriro munyika iyi.

Senator Chris Coons vatiwo panopera sarudzo, vakuru vehurumende vanofanira kuzvipira kupa masimba kune chero munhu anenge akunda.

Vati vari kutarisira kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachazadzikisa zvavakavimbisa zvekuunza shanduko munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi kuti kudyidzana kweZimbabwe neAmerica kuve nyore.

America iri kukurudzirawo hurumende yeZimbabwe kuti itsvage varwiri vekodzero dzevanhu vakatsakatika vanoti VaItai Dzamara, VaPaul Chizuze naVaPatrick Nabanyama.

Zvirango izvi zvakatemerwa vakuru vehurumende ava muna 2001 vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu pasi pehutongo hwaVaGeorge Bush.

Asi hazvina kubviswa nevamwe vatungamiri vakavatevera vanoti VaBarack Obama naVaDonald Trump.

Asi Zimbabwe inoti yakatemerwa zvirango nekluti yakatora minda kubva kuvachena ichipa vatema.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG