Mutungamiri webato rinopikisa reZimFirst Party Doctor Maxwell Shumba vanoti vari kuronga kuendesa Zimbabwe Electoral Commission kumatare nenyaya yekuramba kutambira mapepa avo ichiti vanhu vainge vachipa huchapupu kuti vakwikwidze vainge vasiri pagwaro revavhoti sezvinodiwa nebumbiro remutemo.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakatumira mashoko enyaradzo kumhuri yenhengo yeNational People’s Party kana kuti NPP inotungamirwa naAmai Joice Mujuru yakaponderwa mwana.
Mwana waAmai Grace Mugabe, mudzimaia wevaive mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe, Russel Goreraza anonzi ave kudzingwa pamba paenge achiroja mufurati muHarare achinzi ainge akundikana kubhadhara mari inosvika zviuru makumi matanhatu nemashanu nemazana masere kana kuti US$65 801
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vari kusangana muSingapore iko zvino nemutungamiri wenyika yeNorth Korea VaKim Jong Un. VaTrump mukutanga kwemusangano uyu vati uri kufamba zvakanaka.
Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vange voda kusungiswa nekomiti yedare repamende inoona nezvezvicherwa nemhosva yekuzvidza dare vanonzi vapona nepasaka reshumba sezvo hupenyu hwedare reparamende yacho hwasvika kwamvura yacheka makumbo.
Sangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC raburitsa mashoko kuvatori venhau richizivisa nezvenzvimbo dzichaendwa nevari kukwikwidza musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru kana kuti nomination courts.
Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa nezuro vakaita musangano mukuru kuTshovani kuChiredzi uko kwakapindwa nezviuru nzviuru zvevanhu. Vakati vacharamba vachirwisa kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.
Nyaya yekuti gwaro revavhoti riri kugadzirwa riri kuchengeterwa kupi uye kuti mapepa acho ekuvhotesa ari kudhindwa kupi yakonzera mutauro wakanyanya pakati peZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC nemapato anopikisa.
Bato riri kutonga reZanu-PF rinoti mapato anopikisa ari kuchema chema kuti ZBC, Herald nemamwe mapepa ehurumende haasi kuapa mukana ari kuvhiringidzika nekusanzwisisa mutsauko pakati pehurumende nebato riri kutonga.
Vashandi vazhinji vanonzi vakadzingwa mabasa muboka iri nezvikonzero zvavanoti hazvina kunyatsoti tsvikiti. Asi vakuru veboka iri vanoti vashandi vakadzingwa basa zviri pamutemo.
Mutungamiri webato rinopikisa reMavambo Kusile Dawn Doctor Simba Makoni avo vanovewo nhengo yemubatanidzwa wemapato anopikisa weCoalition of Democrats kana kuti Code vanoti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa basa neZimbabwe Electoral Commission.
Mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vari kutungamira chikwata chemaseneta pamwe nenhengo dzedare reparamende chiri kumusangano wenhengo dzeparamende kuRussia, uko chakwakokwa nedare reparamende repasi renyika iyi, re Duma.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaudza vechidiki vebato ravo kuGweru svondo rapera kuti hurumende yavo yakwanisa kukwezva mari inosvika mabhiriyoni gumi nematanhatu kana kuti US$16 billion yevekunze vari kuvimbisa kuzotanga mabhizimisi munyika kana kuti Foreign Direct Investment kubva zvavatanga kutungamira nyika mukupera kwegore rapera.
Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti hurumende ichiri kuenderera mberi nehurongwa hwayo hwekuvaka jeri idzva kuMarondera uko yakawana purazi.
Komiti yedare reparamende inoona nezvekugarisana zvakanaka kwevanhu kana kuti Labour and Social Welfare neMuvhuro iri kutanga kunzwa mhosva yekutyora kodzero dzevashandi iri kupomerwa vamwe vakuru mubazi rezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika kana kuti Department of Immigration.
Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission yaburitsa mashoko ichikurudzira vanoda mabasa ekuipa zvikwanisiro mukuita sarudzo kuti vaunze mapapepa avo kumahofisi avo.
Chikwata cheZimbabwe Warriors chiri kutarisirwa kutamba mutambo wacho wekutanga mumakwikwi eCOSAFA Cup nemusi weSvodo uye chiri kusimuka munyika mangwana.
Sangano remagweta reVeritas rakaendesa sangano reZimbabwe Electoral Commission kudare repamusoro reHigh Court richiti ZEC haifanire kurambidza mamwe masangano akazvimirira kudzidzisa vanhu nezvesarudzo uye kuti vanoda kuita izvi vanofanira kutanga vaenda kuzec vopihwa zvekutaura zvacho uye vasingashandise mari yevekunze.
Dare repamusoro soro re Constitutional Court mangwanani anhasi kuMashonganyika Building muHarare nenguva dza 9,30 riri kutarisirwa kupa mutongo waro panyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinokwanisa kuvhota here.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiri vakamirirwa kuti vaise runyoro rwavo pabhiri remutemo wesarudzo kana kuti Electoral Amendment Bill.
Rodhai zvimwe