Bato riri kutonga reZanu-PF rinoti mapato anopikisa ari kuchema chema kuti ZBC, Herald nemamwe mapepa ehurumende haasi kuapa mukana ari kuvhiringidzika nekusanzwisisa mutsauko pakati pehurumende nebato riri kutonga.
Nemusi weChipiri, bato rinopikisa reMovement for Democratic Change rinotungamirwa naVaNelson Chamisa rakaratidzira muHarare richiti harisi kufara nemabatirwo ari kuitwa sarudzo neZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.
Vanopikisa vanoti havasi kupihwa mukana panhepfenyuro nemapepa nhau ehurumende sezvinodiwa nebumbiro remutemo.
Asi ZEC iyo inofanira kuona kuti mutemo wesarudzo watevedzerwa yainge yavimbisa kuti kana zuva resarudzo rangoziviswa nemutungamiri wenyika inenge yoona kuti mapato ose apihwa mukana.
Nhasi veMDC-T yaVaChamisa vapuhwa mukana uyu pavaparura gwaro ravo regwara ravachatora vakakunda sarudzo kana kuti Election Manifesto.
Munyori munyaya dzezvemutemo muZanu-PF vari nhengo yePolitburo VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti panyaya dzekubuda panhepfenyuro mukuru mukuru hanga haigare pfunde nekudaro hapangaenzaniswe vanotonga nevanopikisa.
Asi munyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti zviri kuitwa nenhepfenyuro idzi kutyora mutemo uye zvinopa kuti sarudzo dziite mutauro.
Facebook Forum