Accessibility links

Breaking News

VaMownzora naVaMangwana Votatsurana neNyaya yeGwaro reVavhoti


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Nyaya yekuti gwaro revavhoti riri kugadzirwa riri kuchengeterwa kupi uye kuti mapepa acho ekuvhotesa ari kudhindwa kupi yakonzera mutauro wakanyanya pakati peZimbabwe Electoral Commission, ZEC, nemapato anopikisa.

MDC Alliance yakatoratidzira nemusi weChipiri ichitsutsumwa nenyaya iyi.

Asi bato riri kutonga reZanu-PF rinoti harina dambudziko nemabatirwo ari kuitwa sarudzo neZEC.

Masangano akazvimirira ari pasi peCrisis in Zimbabwe Coalition anotiwo ZEC inofanira kubuda pachena kuti iri kufambisa sei nyaya yegwaro revavhoti uye Election Resource Centre yakatokwidza nyaya yekuti mapato ose aone gwaro revavhoti kudare repamusoro reHigh Court.

Zimbabwe Election Support Network yaburitsawo mashoko kuvatori venhau nhasi ichiti chikamu 52 A chemutemo wesarudzo kana kuti Electoral Act chinosungira ZEC iudze vari kukwikwidza kuti mapepa ekuvhota ari kudhindirwa kupi uye nani.

Sachigaro weZEC, Amai Prisciall Chigumba, vari kushorwa zvikuru nevanhu mushure mekunge vati gwaro revavhoti riri padandemutande ravo iro risipo.

Munyori wezvemutemo muZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti vane chivimbo neZEC.

Asi munyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti ZEC inofanira kutevera mutemo nekuita zvinhu pachena kuti vanhu vave nechivimbo nesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG