Accessibility links

Breaking News

ZEC Yoburitsa Dzimwe Nzvimbo Dzichanonyoreswa neVari Kukwikwidza Musarudzo


Amai Priscilla Chigumba

Sangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC raburitsa mashoko kuvatori venhau richizivisa nezvenzvimbo dzichaendwa nevari kukwikwidza musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru kana kuti nomination courts.

Vari kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika vari kutarisirwa kuenda kuHarare kudare repamusoro reHigh Court kunosiya mapepa avo nemusi weChina. ZEC inoti kunenge kuine matare akadai kumatunhu gumi ose munyika achanyoresa vari kuda kukwikwidza musarudzo dzekuva nhengo dzedare reparamende.

KuBulawayo vachaenda kuMagistrates’ Courts, Court 5 paTredgold Building kuMatabeleland North vachaenda kuWest Commonage Court kuBulawayo uye kuMatabeleland South vachaenda kudare ramejastiriti kuGwanda.

KuMidlands vachaenda kumatare amejastiriti muGweru. Uye kuMasvingo vachienda kumatare amejastiriti.

Vanoda kupinda musarudzo dzemakanzura kuBulawayo vachaenda kumahofisi ekanzuru kana kuti Municipal chambers muna Fife Street. KuMatabeleland South kunenge kuine nzvimbo gumi dzemakanzura kumahofisi ekanzuru ku Plumtree, Maphisa, Beitbridge, Gwanda neEsigodini.

Matabeleland North inenge iine nzvimbo pfumbamwe kuNkayi, Hwange, Lupane, Tsholotsho neUmguza.

KuMidlands kune nzvimbo gumi neina kusanganisa kuMvuma, Nembudziya, Gokwe, Kwekwe neZvishavane.

KuMasvingo kunenge kuine nzvimbo pfumbamwe kuChivi, Chiredzi, Masvingo ne Gutu. ZEC inoti kune mapato ezvematongerwo enyika anosvika zana nemakumi maviri nemapfumbamwe uye ZEC inoti yatove nebepa racho.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG