Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa nezuro vakaita musangano mukuru kuTshovani kuChiredzi uko kwakapindwa nezviuru nzviuru zvevanhu. Vakati vacharamba vachirwisa kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.
VaChamisa vakati vachakoka vekunze kuti vaone kuti sarudzo dzafambiswa zvakanaka.
Vakatiwo havasi kuzopinda musarudzo kana vasina kuona gwaro revavhoti.
VaChamisa vakatiwo ikozvino kwave kuda kuti vechidiki vanotemwa dzinobva ropa vatungamire.
VaChamisa vakatendawo muchakabvu VaMorgan Tsvangirai nekukura gwara iri vave kutevera parizvino.
Vakatiwo sarudzo dzinofanira kuitwa zvakanaka dzemaprimary.
Kwange kuine kuchema chema kwakanyanya muChiredzi kuti sarudzo dzemaprimary hadzina kuitwa zvakanaka munzvimbo iyi.
Vakatiwo vatungamiri vose venyika vanofanira kuti vadzidzire mitauro yakawanda kana yezvimumu nematsi.
VaChamisa vakatiwo nyaya yehuori ndiyo yauraya nyika.
Vakafadzawo vanhu apo vakadaidza vamwe ana ambuya kuti vauye kuzokwazisa vanhu.
VaChamisa vakadaidzawo mumwe murume akadzingwa basa sajerigadhi mushure mekunge anzi ainge avakoka kuChiredzi.
Vachitaurawo nezvegwaro revavhoti, sachigaro weZimbabwe Election Support Network VaAndrew Makoni vakati zvakakosha kuti vanhu vawane gwaro revavhoti.
Asi munyori anoona nezvemutemo mubato reZanu-PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti veMDC Alliance vanoda kutora basa reZEC.
Zimbabwe iri kuita sarudzop mwedzi unouya musi wa 30. Kunyangwe vanopikisa nemamwe masangano ekunze ari kuongorora sarudzo vari kuti pane zvakawanda zvinoda kuitwa kusanganisa kubuda pachena nezvegwaro revavhoti, veZimbabwe Electoral Commission vanoti vachaona kuti paitwa sarudzo dzakachena.
Nyika dzakabudirira kusanganisa America nedzimwe dziri mugungano reEuropean Union dzinoti dzichatanga kudyidzana neZimbabwe ndokunge yaita sarudzo dzakachena.
Facebook Forum