Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vopona nePasaka reShumba paMhosva Yavange Vomerwa yeKuzvidza Dare paNyaya yeMangoda


VaRobert Mugabe

Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vange voda kusungiswa nekomiti yedare repamende inoona nezvezvicherwa nemhosva yekuzvidza dare iri vanonzi vapona nepasaka reshumba sezvo hupenyu hwedare reparamende yacho hwasvika kwamvura yacheka makumbo.

Pamutemo nyaya dzose dzange dziri mugango dzinobva dzamira kuzeyiwa. Komiti yedare reparamende yange ichida kuti VaMugabe vauye kuzopa huchapupu pakutsakatika kwavakati kwakaita mari inosvika mabhiriyoni gumi nemashanu.

VaMugabe vakakundikana kuuya pamberi pekomiti iyi kaviri kose zvakapa kuti iti yainge yoda kushandisa masamanisi kuti vamanikidzwe kuenda kudare.

Sachigaro wekomiti iyi VaTemba Mliswa vakaudza bepanhau reHerald kuti VaMugabe havana kupa chikonzero chekusauya kuzopa huchapupu kukomiti yavo. Asi mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vakati sezvo hupenyu hweparamende iyi hwasvika kumagumo, hapana chikonzero chekuti VaMugabe vamanikidzwe kuuya.

Paramende yakaguma kusangana musi wa 7 Chikumi uye ingangodzoke chete musi wa 29 Chikumi asati asvika ndokunge paita nyaya yakakomba chete.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG