Accessibility links

Breaking News

Mwana waAmai Grace Mugabe Odzingwa Paanoroja


Amai Grace Mugabe

Mwana waAmai Grace Mugabe, mudzimaia wevaive mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe, Russel Goreraza anonzi ave kudzingwa pamba paenge achiroja mufurati muHarare achinzi ainge akundikana kubhadhara mari inosvika zviuru makumi matanhatu nemashanu nemazana masere kana kuti US$65 801.

Russel, mwana waAmai Mugabe nemurume wavo wekutanga anonzi ane makore matatu achigara pafurati yesangano reZimbabwe National Family Planning Council Pension Fund paNumber 4A Clarence Drive, Nikolas Point, Flat 3 kuNewlands asi asina kana kobiri raabhadhara.

Mumapepa ari kudare reHigh Court, kambani iyi inoda kuti abviswe pamba apa uye kubhadhara chikwereti chaainanco ichi.

VaGoreraza havasati vapindura masamanisi aya asi vaiinge vanyora chibvumirano nekambani iyi muna 2015 chekuti vaizobhadhara mari inosvika zviuru zvitanhatu nemazana matanhatu pamwedzi mina yoga yoga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG