Mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vari kutungamira chikwata chemaseneta pamwe nenhengo dzedare reparamende chiri kumusangano wenhengo dzeparamende kuRussia, uko chakwakokwa nedare reparamende repasi renyika iyi, re Duma.
Pane nyika dzakawanda dzine nhengo dzeparamende dziri kupinda musangano uyu, uyo uri kupera neChitatu.
Mumiriri wedunhu reMazowe South mudare reparamende uye vari nhengo yeZanu PF, VaFortune Chasi, avo vari muchikwata chevamiriri vakabva kuZimbabwe, vanoti nyaya dziri kutaurwa dzakanangana nehutongo hwejekerere nekukurudzira nyaya dzekuwanisa madzimai mikana.
Vamwe vari muchikwata chenhengo dzeparamende ichi vanosanganisira mumiriri weNorton Vatemba Mliswa, pamwe naAmai Priscilla Misihairambwi.
Vamwewo vanzi vari kumusangano uyu asi vasiri muchikwata chenhengo dzeparamende ichi chipangamazano chemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, VaChristopher Mutsvangwa.
Facebook Forum