Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Kusungwa kweMhondi dzaProfessor Lumbe


VaEmmerson Mnangagwa naAmai Joyce Mujuru.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakatumira mashoko enyaradzo kumhuri yenhengo yeNational People’s Party kana kuti NPP inotungamirwa naAmai Joice Mujuru, VaRambanai Lumbe, mushure mekunge mwana wavo ane makore maviri, Professor Lumbe apondwa munyaya inonzi nevamwe ine chekuita nezvematongerwo enyika.

Professor akavigwa nezuro papurazi reSunridge kuGlendale. Kuvhenekwa kwakaitwa mwana uyu navanachiremba kuParirenyatwa Hospital kwakaratidza kuti ainge apondwa.

Mumashoko avo enyaradzo, VaMnangagwa vakati vainge vashamisika zvikuru nekupondwa kwemwana uyu vakati vari kunamatira mhuri iyi.

VaMnangagwa vanoti vaudza mapurisa kuti aferefete nyaya iyi nekusunga vose vakapara mhosva iyi. VaMnangagwa vakurudzira vanhu vose kuti vatsvage rutsigiro murunyararo.

Mutauriri weNPP VaJeffreyson Chitando vanoti bato ravo rinofunga kuti vatsigiri veZanu-PF vane chekuita nekupondwa kwemwana uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG