Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Ichine Hurongwa hweKuvaka Jeri Idzva kuMarondera


Madzimai akawanda ari kupika jeri aine vana vavo izvo zvinonzi nevamwe kuomesera vana ava.
Madzimai akawanda ari kupika jeri aine vana vavo izvo zvinonzi nevamwe kuomesera vana ava.

Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti hurumende ichiri kuenderera mberi nehurongwa hwayo hwekuvaka jeri idzva kuMarondera uko yakawana purazi.

Jeri iri rinonzi richange riine mativi maviri, rimwe divi richiiswa vasungwa vechidzimai vaya vanenge vasingadi kuchengetedzwa zvakasimba, uye vanenge vachikwanisa kushanda kunze, kana kuti open prison system.

Hurumende yakazivisa kuti jeri iri rinenge richichengeterwa madzimai ari kupika aine vana pamwe nevamwe vane matambudziko mukurarama kwavo, angave ehurwere kana kuremara.

Hurongwa hwejeri uhwu hwave nemakore hwaparurwa, asi hapasati patanga kuvakwa zvidziro.

Pari zvino Zimbabwe ine jeri rimwe chete rekuti vasungwa havatarisiswi zvakanyanya, rinove reConnemara Open Prison riri kuGweru, iro rinochengeterwa vanhurume.

Iri rekuMarondera rinenge riri jeri remadzimai rakadai rekutanga.

Asi boka rezvemajeri munyika, reZimbabwe Prisons and Correctional Services rakatozivisa kare kuti chiri kunonotsa kuvakwa kwejeri rekuMarondera iri kushaikwa kwemari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG