Accessibility links

Breaking News

Knowledge Musona neZimbabwe Vangasimudze Here Mukombe weCOSAFA


The Zimbabwe Warriors. (Photo: CAF)

Chikwata cheZimbabwe Warriors chiri kutarisirwa kutamba mutambo wacho wekutanga mumakwikwi eCOSAFA Cup nemusi weSvodo uye chiri kusimuka munyika mangwana.

Asi zimbabwe haina vatambi vana vari kutarisirwa kubatana nevamwe muharare nhasi vasati vasimuka kuenda kuSouth Africa vanoti Knowledge Musona, Khama Billiat, Tino Kadewere naCosta Nhamoinesu.

Zimbabwe yakasimudza mukombe uyu kashanu nekudaro iri kutangira padanho repamusoro re Quarter Final. Ichatamba nenyika inenge yakunda muGroup B mune nyika dzakaita seBotswana, Angola, Malawi ne Mauritius.

South Africa inova iri kuitirwa mitambo iyi ichatamba mumaQuarter Finals neanenge akunda mugroup A umo mune Comoros islands, Mozambique, Madagascar ne Seychelles.

Mamwe maQuarter Finals anenge ari pakati peZambia yakatora mukombe muna 2015 neNamibia kochizoti Swaziland neLesotho. Gore rapera Zimbabwe ndiyo yakasimudza mukombe uyu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG