Accessibility links

Breaking News

Ichokadi Here Kuti Zimbabwe Yakwezva Mari Inosvika Mabhiriyoni Gumi neMatanhatu eMadhora?


President Emmerson Mnangagwa addresses an election rally of his ruling ZANU-PF party in Mutare, Zimbabwe, May 19, 2018.
President Emmerson Mnangagwa addresses an election rally of his ruling ZANU-PF party in Mutare, Zimbabwe, May 19, 2018.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaudza vechidiki vebato ravo kuGweru svondo rapera kuti hurumende yavo yakwanisa kukwezva mari inosvika mabhiriyoni gumi nematanhatu emadhora yevekunze vari kuvimbisa kuzotanga mabhizimisi munyika kana kuti Foreign Direct Investment kubva zvavatanga kutungamira nyika mukupera kwegore rapera.

Nyaya iyi yakonzera gakava munyika vamwe vachiti izvi zviroto asi vamwe vachiti zvinokwanisika nekuti Zimbabwe igombo chairo munyaya dzezvehupfumi.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaCallisto Jokonya, vanoti zvinokwanisika.

VaJokonya vati VaMnangagwa vakazvipira kuvandudza zvinhu nekudaro vanoona vachikwanisa kukwezva mari yavari kutaura.

Vari kupikisa mashoko aVaMnangagwa vanoti nyika irikutarisirwa kunzi nevamwe ndiyo iri kukura zvakanyanyisa muAfrica muna 2018, Ethiopia iri kutarisira mari inosvika mabhiriyoni matatu nezviuru mazana zvemadhoramaviri chete gore rose kana kuti 3,2 billion.

Vaimbova gurukota rezvemari uye vachitungamira bato rePeople's Democratic Party, VaTenda Biti vanoti hapana chavari kuona chiri kuratidza kuti Zimbabwe ine kana kobiri zvaro yayaona.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute Dr Prosper Chitambara vanoti Zimbabwe ikaita zviri kutaurwa naVaMnangagwa izvi inenge yaita chishamiso padunhu.

Vatiwo vanhu havafanire kutarisa izvi sekunge imari yatopinda munyika.

Ko chii chingade kuitwa kuti Zimbabwe ikwanise kukwezva vekunze? Doctor Chitambara vanoti nyika inofanira kuita sarudzo dzakachena kuti vekunze vasazengurire kuzovamba mabhizimisi.

VaBiti vanoti nyaya yesarudzo dziri kuitwa inopawo kuti vekunze vazengurire kuzouchika mari yakawanda munyika.

Gore rapera, kambani yeQuantum Global Research Lab rakati Morocco ndiyo nyika yemuAfrica yakakwanisa kukwezva mari yakawanda ichiteverwa neEgypt, Algeria, Botswana neCote d’Ivore. Zimbabwe yainge iri pachidanho chekupedzisira.

Makambani akawanda munyika havana mabasa nenyaya yekusamira zvakanaka kwenyaya dzezvehupfumi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG