Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti VaMnangagwa Vodya Manoko paKutambira Bhiri reMutemo weSarudzo


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiri vakamirirwa kuti vaise runyoro rwavo pabhiri remutemo wesarudzo kana kuti Electoral Amendment Bill. Bhiri iro rakaendeswa kuhofisi yemutungamiri wenyika musi wa 24 Chivabvu.

Kana mutemo uyu wadzikwa ndiwo uchashandiswa musarudzo dzegore rino uye wakatotambirwa nematare eHouse of Assembly neSenate.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo vari gweta Doctor Alex Magaisa vanoti havanzwisise kuti sei mutungamiri wenyika asina kubva angosiana bhiri iri nechimbi chimbi paakaripihwa nedare Senate.

VaMagaisa vanoti sezvo sarudzo dzave pedyo dzichitarisirwa kuitwa pakati paChikunguru naNyamavhuvhu, zvakakosha kuti bhiri iri rive mutemo kuti zvive nyore kugadzirira sarudzo dzacho.

Vatiwo vari kushamisika kuti sei mitemo yesarudzo yakanonoka kugadziriswa iro bumbiro remutemo rakatambirwa muna 2013.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG