Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yoramba Yakanetsana neZec neNyaya yeGwaro reVavhoti


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Mabatirwo ari kuitwa sarudzo neZimbabwe Electoral Commission, Zec, ari kuramba achikonzera mutauro wakanyanya munyika vanopikisa vakawanda vachiti iri kukundikana kuita mutongi gava.

Asi veZanu-PF vanoti vanopikisa vari kungorova bembera nekuti vari kutya kurakashwa musarudzo.

Nyaya iri kunyanya kunetsa pari zvino inyaya yegwaro rine mazita evavhoti kana kuti voters roll.

MDC Alliance inoti Zec haisi kutevedzera mutemo pakubuditsa gwaro rakachena nenguva uye rine zviso zvevanhu sezviri muhurongwa hutsva hweBVR.

Asi sachigaro weZec, Amai Priscilla Chigumba, vanoti vari kuita zvose zvinodiwa kunyange hazvo paine zvimhingamupinyi pano neapo.

Sachigaro weZanu-PF kuBritain, VaNick Mangwana, vanoti havataure vakamirira Zec asi zvimwe zviri kudiwa neMDC Alliance ndezvekuda kungovhiringa mabasa ekomisheni inoona nezvesarudzo.

Mutauriri wePeople's Democratic Party, uye vari nhengo yeMDC Alliance, VaJacob Mafumo, vanoti Zec yakundikana kuva muyananinisi musarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG