Mutungamiri webato reNational People’s Party vachitungamirawo mubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition musarudzo dzemutungamiri wenyika, Doctor Joyce Mujuru vashora zvikuru kuputiswa kwakaitwa chombo kunhandare yeWhite City Stadium kuBulawayo neMugovera.
Amai Mujuru vati munyaya dzezvematongerwo enyika vanhu vachiri kure nekushanda murunyararo vachipanana nzeve pasina kurwisana.
Chitiko ichi chakasiya vanhu vaviri vanochengetedza vatungamiri venyika varasikirwa nehupenyu.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakatumirawo mashoko enyaradzo kumhuri dzevakarasikirwa nehupenyu vachiti aya mabasa evanopfurikidza mwero.
Amai Mujuru vanoti kusagadzikana kuri munyika uku kunoratidza kuti munyika munoda kuti vanhu vashande vose pasina mhirizhonga uye vakati Zimbabwe iri kure panyaya yekuregererana.
Facebook Forum