Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Votaurawo nezveKuputika kweChombo kuBulawayo


Doctor Joice Mujuru
Doctor Joice Mujuru

Mutungamiri webato reNational People’s Party vachitungamirawo mubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition musarudzo dzemutungamiri wenyika, Doctor Joyce Mujuru vashora zvikuru kuputiswa kwakaitwa chombo kunhandare yeWhite City Stadium kuBulawayo neMugovera.

Amai Mujuru vati munyaya dzezvematongerwo enyika vanhu vachiri kure nekushanda murunyararo vachipanana nzeve pasina kurwisana.

Chitiko ichi chakasiya vanhu vaviri vanochengetedza vatungamiri venyika varasikirwa nehupenyu.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakatumirawo mashoko enyaradzo kumhuri dzevakarasikirwa nehupenyu vachiti aya mabasa evanopfurikidza mwero.

Amai Mujuru vanoti kusagadzikana kuri munyika uku kunoratidza kuti munyika munoda kuti vanhu vashande vose pasina mhirizhonga uye vakati Zimbabwe iri kure panyaya yekuregererana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG