Accessibility links

Breaking News

African Union Commission Inotumira Zvipangamazano zveSarudzo kuZimbabwe


Muzinda weAfrican Union muAddis Ababa, Ethiopia
Muzinda weAfrican Union muAddis Ababa, Ethiopia

Bazi reAfrican Union Commission rinoona nezvematongerwo enyika reAfrican Union Commission Department of Political Affairs ratumira zvipangamazano munyaya dzesarudzo kuZimbabwe apo nyika yoita gadziriro yesarudzo dzemusi wa 30 mwedzi unouya.

Chikwata ichi chakatanga kushanda musi wa 15 mwedzi uno uye chinonzi chichange chiri munyika kusvika musi wa 8 mwedzi unouya chichibatsira Zimbabwe Electoral Commission.

Izvi zvinotevera chikumbiro cheZEC chekuti ibatsirwe mukugadzirira sarudzo.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika VaFarai Maguwu vanoti rubatsiro urwu rwakanga rwanonoka sezvo AU yaifanirwa kutumira vabatsiri ava kubva pakatanga ZEC kushandisa michina yeBVR.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG