WASHINGTON D.C. —
Bazi reAfrican Union Commission rinoona nezvematongerwo enyika reAfrican Union Commission Department of Political Affairs ratumira zvipangamazano munyaya dzesarudzo kuZimbabwe apo nyika yoita gadziriro yesarudzo dzemusi wa 30 mwedzi unouya.
Chikwata ichi chakatanga kushanda musi wa 15 mwedzi uno uye chinonzi chichange chiri munyika kusvika musi wa 8 mwedzi unouya chichibatsira Zimbabwe Electoral Commission.
Izvi zvinotevera chikumbiro cheZEC chekuti ibatsirwe mukugadzirira sarudzo.
Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika VaFarai Maguwu vanoti rubatsiro urwu rwakanga rwanonoka sezvo AU yaifanirwa kutumira vabatsiri ava kubva pakatanga ZEC kushandisa michina yeBVR.
Facebook Forum