Accessibility links

Breaking News

Munyori Mukuru weUnited Nations Oshora Kuputika kweChinofungidzirwa Kuti Chombo muZimbabwe


VaAntonio Guterres
VaAntonio Guterres

Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vanoti vari kushushikana zvikuru nekuputika kwakaita chinofungidzirwa kuti chombo kana girinendi kuWhite City Sports Stadium kuBulawayo nemusi weMugovera rakapotsa rauraya mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vatevedzeri vavo vaviri VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi avo vanonzi vakakuvara.

VaGuterres vakurudzira kuti vane chekuita nekuputika uku vanofanira kusungwa voendeswa kumatare uye vakati vari kushuvira kuti vakakuvara vapore nekukurumidza. Vanhu vanosvika makumi mana nemapfumbamwe vakakuvara. Mapurisa ari kuenderera mberi achiferefeta nyaya iyi uye hapana ati asungwa.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vati kana paine vane humbowo vanofanira kufonera matikitivha eCID Bulawayo panumber dzinoti 0292-71568, Bulawayo Central Police – 0292-72515 or CID headquarters – 0242-709134, kana National Complaints desk on 0242-703631, or WhatsApp number 0712800197 kana kumapurisa ari pedyo navo.

Zvichakadaro, sangano remubatanidzwa wemakerereke yeZimbabwe Council of Churches (ZCC) vakumbira vemakereke kuti vabatane mukunamata uye kutsanya kuti munyika muitwe sarudzo murunyararo. Mizinda yekunze yakaita seEgypt, America, Britain neRussia yashorawo zvikuru zvakaitika muZimbabwe.

VeSADC ne African Union vashorawo chiitiko ichi. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaMaxwell Saungweme vanoti munyori mukuru weUnited Nations aifanira kubuda pachena kuti aya mabasa evanopfurikidza mwero.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG