Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoudzwa Kuti Chinowandiswa Ivhoti Kwete Mifananidzo


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Imwe nyanzvi munyaya dzezvemataongerwo enyika Doctor Pedzisayi Ruhanya avo vari kushanda neUniversity of Johannesburg vanoti ZEC inofanira kuburitsa gwaro remazita evavhoti rine mifananidzo yevanhu sezvinodiwa nechirongwa chitsva cheBVR.

Doctor Ruhanya vanoti chiso chemunhu hachifanire kuwandiswa asi chinofanira kuwandiswa ivhoti. Mashoko aya anotevera kutsika madziro kuri kuita sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba vachiti havasi kuzoburitsa gwaro revavhoti rine mifananidzo.

Zvichakadaro, sangano rinoona nezvemitemo nemashandiro eparamende reVeritas raramba mashoko ari kubuda mubepanhau reHerald kunyanya kuti riri kuda kukanganisa mashandiro esangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC nekuriendesa kumatare edzimhosva richipomera mhosva yekutyora mitemo yesarudzo.

Bepanhau iri rinotiwo veVeritas vanoda kusvibisa zita remutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa. Sangano iri ratiwo rakatanga basa rekuti mutemo wesarudzo ugadziriswe muna 2013 pakatambirwa bumbiro remutemo idzva.

Asi veVeritas vanoti izvi ndezvemugotsi matsuro sezvo nyaya zhinji vakadzikwidza kumatare VaMnangagwa vasati vatora masimba vachishandisa mauto kubva kune vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Veritas yati haina bato rematongerwo enyika rainotsigira asi yakurudzira kuti bumbir remutemo richengetedzwe uye kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.

Sangano iri ratiwo rinoda kuti kana sarudzo dzaitwa mapato asazoenda kumatare achidzipikisa nekuti bumbiro remutemo rinenge risina kuteverwa.

Veritas yatiwo pamutemo ZEC inofanira kungotevera mutemo kwete kuda kutara iyo mitemo nekupikisa nyaya dzose dzinenge dzaendeswa kumatare kunyangwe iri risiri basa rayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG