Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yotaura Zvakasiyana paNyaya yeMusangano Wakatadzwa Kuendwa naVaMnangagwa kuHwange


VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kubuda munyika nhasi vachienda kunyika isina kudomwa nezita asi chikonzero chekuti sei vasina kuenda kumusangano kwavaitarisirwa nezuro kuHwange Colliery Stadium iri kuramba ichitemesa vanhu musoro.

Vakuru mubato reZanu-PF nehurumende uye mapepanhau akaita seChronicle neHerald anowanzo rerekera kuZanu-Pf ari kunyorawo nyaya dziri kupesana.

VaMnangagwa vainge vari kuHwange vachiparura gwenya remagetsi vachizotarisirwa kuenda kumusangano webato ravo sezvavari kuita mazuva ano.

Asi vanhu vanonzi vakafambira dhongi rakaora sezvo VaMnangagwa vasina kuzoenda kunyangwe vamwe vainge vafumobata jongwe muromo.

Vachitaura nebepanhau reHerald, mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba vati mutungamiri wenyika ange asina musangano kuHwange Colliery Stadium sezvo vainge vaine misangano kuHarare.

Asi vachitaurawo neHerald sachigaro weZanu-PF kuMatabeleland North VaRichard Moyo vakati vainge vakatarisira VaMnangagwa kunyangwe vazokundikana kuuuya nenyaya yebasa.

Asi vamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti VaMnangagwa vanogona kunge vasina kuenda nenyaya yekushomeka kwevanhu.

Vamwe vanoti zvinogona kuve zviine chekuita nekuputika kwakaita chombo chinofungidzirwa kuti igirinedhi kuWhite City Stadium chakapotsa chauraya VaMnangagwa nevamwe vatungamiri venyika nebato vainge vari pamusangano uyu nemusi weMugovera.

Vanhu vaviri vanochengetedza vatungamiri venyika vakashaya muchiitiko ichi uye vanhu vanosvika makumi mana nevapfumbamwe vakakuvara. Vamwe vacho vaviri vakaendeswa kuzvipatara zvemuHarare vachibviswa kuBulawayo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG