Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vopotsa Vadonha kuHwange paMusangano Wakapindwa neZviuru zveVanhu


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri wemubatanidzwa wemapato anopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vakaita misangano miviri kuVictoria Falls neHwange nezuro.

KuHwange, VaChamisa nevamwe vari kukwikwidza musarudzo idzi vakapotsa vadonha patafura huru kana stage yavange vari asi hapana akuvara. VaChamisa vakasara vakamira havo vamwe vachidonha.

Vakatambirwawo nemufaro mukuru apo vakaita mumwe musangano kuHwange vasati vaenda kuVictoria Falls. Asi pambopotsa paita njodzi apo nzvimbo yavange vachitaura vakamira yabhovoka asi hapana hapo akuvara.

VaChamisa vati vakasarudzwa vachaunza budiriro muzvimbo yeHwange kwete zviri kuitwa parizvino.

VaChamisa vataurawo matambudziko akasangana nevanhu vemunharaunda iyi.

Vachitaura kuVictoria Falls VaChamisa vatora mukanha uyu kudzidzisa vanhu kuti vanovhote sei sezvo paine kakuda kufanana kwemifananidzo yavo neyaDoctor Thokozane Khupe.

Vaviri ava vaive vatevedzeri wamuchakabvu Morgan Tsvangirai vave makara asionane.

VaChamisa vatorawo mukana uyu kupa vari kukwikwidza vakamirira bato ravo musarudzo kuti vazivikanwe nevanhu.

Panyaya dzezvehupfumi, VaChamisa vavimbisa kuti vari kuzobvisa mari yebond note.

VaChamisa vavimbisawo kuti vachavandudza zvinhu munyaya dzezvipatara.

Asi VaChitaura panyaya yekuti bato reZanu-PF rauraya hupfumi hwenyika, VaMunyaradzi Paul Mangwana munyori anoona nezvemutemo muZanu-PF vaudza Studio 7 kuti nyaya yezvirango ndiyo yauraya nyika.

Sarudzo dzemutungamiri wenyika dziri kukwikwidzwa nevanhu makumi maviri nevatatu zvisati zvamboonekwa munhoroondo yenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG