Accessibility links

Breaking News

RBZ Yokundikana Kuwanira Mari yeKunze Makambani eMunyika


Gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya d
Gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya d

Apo nyika yatarisana nesarudzo mwedzi unouya, nyaya yekushomeka kwemari iri kuramba ichinetsa zvopa kuti Reserve Bank of Zimbabwe, RBZ, inetsane zvakanyanya nevemakambani vamwe vachiti basa rekugovera vanhu mari yekunze ngariitwe nemabhanga.

RBZ yakanzi nehurumende ndiyo inofanira kugovera mari yekunze kune vemakambani nevanhuwo zvavo sezvo dura renyika risina mari yekunze.

Vaimbova gurukota rezvemari varizve nhengo yebato rinopikisa reMDC Alliance, VaTendai Biti, vanoti vemabhizimisi vari panyanga dzamushore sezvo mari yavari kuda yave kutosvika pamabhiriyoni maviri.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Dcotor Godfrey Kanyenze, vanoti nyaya yekushomeka kwemari iri kupa kuti zvinhu zvidhure.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti Zimbabwe yakwanisa kukwezva vekunze vakawanda kuti vazouchike mari dzavo munyika vachiti kubva zvavatora mhiko yekutungamira gore rapera, vakwanisa kukwezva vemabhizimisi vanoda kuvamba mabhizimisi emari inosvika mabhiriyoni gumi nematanhatu.

Asi muzvinabhizimisi vari mukuru wekambani yePeakford Management, VaAlbert Mandizvidza, vanoti vekunze vanoda kutanga vaona zvabuda musarudzo.

VaBiti vanotenderanawo nemaonero aya.

Asi chii chaizvo chingaitwe neZimbabwe kuti ikwanise kuwana mari yakaringana?

VaMandizvidza vanoti Zimbabwe inofanira kuita sarudzo dzakachena uye kugadzira zvekutengesa kunze kwenyika.

RBZ inoti inokoshesa kutengwa kwezvinhu zvakaita semafuta ekufambisa dzimotokari uye kutengwa kwemagetsi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG