Nhengo mbiri dzedare reparamende dzeMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa dziri kukwikwidza musarudzo kuMutasa Central neMutasa South dzakamirira MDC Alliance dzinoti VaTrevour Saruwaka naVaDavid Chimhini, neChitatu dzakamboshevedzwa kumatare edzimhosva amejasitiriti maMutare uko dzakapomerwa mhosva yekuratidzira muna 2016.
Kuratidzira uku kunonzi kwainge kwakanangana nekuratidza kusafara nehutungamiri hwevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Asi nhengo dzebato rinopikisa idzi dzinoti zviri pachena kuti kushevedzwa kudare redzimhosva panguva yekutsvaga rutsigiro kuda kudzivhiringidza kuti dzikundikane kukwikwidza Zenu-PF zvakasimba sezvo dzichapedza nguva dziri kumatare.
Varume vaviri ava vanoti maitiro ehurumende yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa haana kusiyana nezvaingoitwawo nehurumende yaVaMugabe.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko uye vari mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo kuti tinzwe divi ravo. Asi nyaya zhinji dzekuraratidzira munguva yaVaMugabe dziri kuenda kumatare dziri kuraswa nematare kusanganisa yaPastor Evan Mawarire.
Facebook Forum