Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Vachakunda Zvne Mutsindo Pakaitwa Sarudzo Dzakachena


Chamisa, Ncube naVaBiti

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vaita musangano neChishanu paKabuyuni Gokwe Business Center vachitsvaga rutsigiro mudunhu reMidlands.

Pamusangano uyu pakaungana zviuru nezviuru zvevanhu, uye musangano wazoenderera mberi kusvika husiku sezvo wanonoka kutanga.

VaChamisa vati havasi kuzoregedza sarudzo dzichibirirwa asi vakati dzikaitwa zvakanaka vachakunda zvine mutsindo.

VaChamisa vaudza vatsigiri vavo kuti vakasarudzwa kutungamira nyika vachavandudza zvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Vatiwo hurumende yeZanu-PF yakundikana zvachose kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi. VaChamisa vati vachaumba maindasitiri ekuti vanhu vawane mabasa kana vakasarudzwa kutungamira.

Vatiwo vakasarudzwa kutungamira vachabvisa mari yemabond notes uye vashorawo nyaya yehuori vachiti izvi zvauraya nyika uye hazvisi kugadziriswa.

VaChamisa vati vane tarisiro yekuti vachakunda mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo.

Asi vatiwo havasi kuzotendera kuti sarudzo dzibirirwe.

Vatiwo vane zvirongwa zvekusimudzira vanhu vari kumaruwa zvakafana nekuvatengera matarakita. Vavimbisawo kuti vachavandudza zvinhu munyaya dzedzidzo uye dzehutano.

Sarudzo dzegore rino dziri kuitwa mwedzi unouya kunyange hazvo vanopikisa vari kugunun’una zvakanyanya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG